Contact us for free legal advice
for women and children’s rights

08080131

Media Banner

Zvekuita kana munhu ashungurudzwa

KUSHUNGURUDZWA nenzira yebonde kunoreva kubatwa chibharo kana kuedza kuita zvinhu zvinogumisira zvakonzera nyaya dzechibharo pachishandiswa chisimba, hudzvanyiriri nekusaenzaniswa kwemikana.

Zvinoreva zvakare kuedza kuda kuwana bonde nenzira yechisimba kana kutyisidzira.

Kuparwa kwemhosva idzi hakunei nekuti munhu ane ukama nemumhan’arirwi kana mumhan’ari, kana kuti zvinenge zvaitikira kupi.

Pakuparwa kwemhosva yechibharo, pane mupari wemhosva nemumhan’ari anova munhu anenge ambunyikidzwa kodzero dzake nenzira yebonde.

Magwaro eNational Statistics Agency (ZIMSTAT) neeZimbabwe Demographic and Health Survey 2010/11 anoratidza kuti madzimai nevanasikana ndivo vari kunyanya kumbunyikidzwa nenzira yebonde kana mhirizhonga.

Hurumende yakaisa mitemo inoona nezvenyaya idzi pasi pechirongwa cheMulti-Sectoral Management of Sexual Abuse and Violence of Zimbabwe.

Chirongwa ichi chinotaura zvinhu zvakakodzera kuitwa nemunhu kana achinge ambunyikidzwa nekwaanokwanisa kuenda kunowaniswa rubatsiro.

Zvakakosha kuti vanhu vanenge vambunyikidzwa nenzira yebonde kana imwewo mhirizhonga vawaniswe rubatsiro rwekurapwa.

Zvinobatsira kuti vakwanise kuwaniswa mishonga yechimbi-chimbi iyo inobatsira kuti vasabatire pamuviri kana HIV nezvimwe.

Madzimai anenge ambunyikidzwa, anofanira kuwaniswa rubatsiro urwu mukati memaawa 72 ekubatwa chibharo.

Kana munhu anenge ambunyikidzwa nenzira yechibharo achinge aita pamuviri pasina kurongeka, panogona kubviswa asi zvichiitwa zviri pamutemo mukati memasvondo gumi nemaviri uye panofanira kunge paine magwaro anobva kumapurisa anoratidza izvi.

Panofanira kunge pakanyorwa nemapurisa kana mumhan’ari asingadi kuchengeta nhumbu iyoyo. Mapurisa anoendesa dhoketi iroro kumatare edzimhosva uko rinonoongororwa uye kana mutongi achinge agutsikana naro anobva apa mvumo yekuti pamuviri ipapo pange pachibviswa. Magwaro eAffidavit anonyorwawo obatanidzwa negwaro rinenge rabva kudare iri achitsinhira kuti pamuviri apa panenge pari kuda kubviswa pakauya nenzira yechibharo kana kuti makunakuna.

Kana iri nyaya yemakunakuna, mamwe magwaro akadai seekuzvarwa emumhan’ari nemumhan’arirwi anofanira kubudiswa mudare. Kana mutongi wedare achinge agutsikana zvakare nazvo kuti nhumbu iyi yakauya nenzira yechibharo kana makunakuna, anobva apa mvumo yekuti ibviswe. Magwaro aya anobva aendeswa kuzvipatara zveHurumende kunova kunozonobvisirwa pamuviri ipapo.

Kana nyakumbuny

Kana munhu achinge akuvadzwa munyaya dzemhirizhonga, anofanira kurapwa nemachiremba akafundira basa iri senzira yekuderedza kuwedzera mavanga.

Humbowo hwese kunofanira kuvapo zvichiendeswa kumatare kuti zvibatsire mukutongwa kwenyaya.

Magwaro anoratidza hudzamu hwekukuvara kunenge kwaita mumhan’ari anounzwa mudare seumbowo uye anonyorwa nachiremba akafundira basa.

Zvisinei, kuwana umbowo kubva kuna chiremba hakurevi kuti munhu ari kupomerwa mhosva ndiye anenge apara mhosva asi kuti panenge pachida kuonekwa kuti mumhan’ari haana kukurava here zvinoenderana nekuparwa kunenge kwaitwa mhosva. Humwe umbowo hunofanira kuunzwa mudare kana huripo.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti zwla@zwla.co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata panhamba dzelandline +263242 708491/ +2630242 706676.